Thursday Aug 15, 2024
Gospel4You International in Shona - 'Peace With God' with Bishop Michael Chiviru of Unreached People's Mission in Zimbabwe.
Gospel4You International in Shona of Zimbabwe
Gospel4You International in Shona yeZimbabwe
Title: Rugare
Chinyorwa: VaRoma 5 vs 1
Dingindira: Rugare ne
Mwari
Mharidzo:
Muzera redu rokusagadzikana mune chishuvo chenyika yose chorugare. Kana Jesu Kristu ava nemoyo yedu chete ndipo patinogona kuziva rugare rwechokwadi. Runyararo naMwari runouya kwatiri mukuregererwa kweChivi kuburikidza nekukodzera nekutambudzika kwemuponesi wedu. Rugare naMwari rwakareva kugumisa ruvengo rwose. Kana tikareurura kuzvikudza kwedu kwezvivi uye tikazviisa pasi paMwari ipapo hondo yedu naMwari yapera. Sezvinotaura rugwaro munaVaRoma 5:1 kuti tichiruramiswa nokutenda tine rugare naMwari kubudikidza naIshe wedu Jesu Kristu. Rugare naMwari zvinoreva kuyananiswa naye. Tinoyananiswa mumuviri wenyama yake kubudikidza norufu uye neropa romuchinjikwa maringe naVaKorose 1:21-22. Rugare naMwari runounza pfungwa yegarikano nechivimbo. Iyo inhaka yevatendi vechiKristu uye inouya apo isu tinofamba mukuteerera kuda Kwake kwehupenyu hwedu. Rugare rwaMwari ruchayerera ruchibva muruwadzano ruzere rusina mhinganidzo naIye anova rugare rwedu.
Mhedziso:
Kuva parugare naMwari hakungoitike nekuti nehunhu wakaparadzaniswa naMwari. Bhaibheri rinoti muna VaRoma 3:23, “Nokuti vose vakatadza vakasasvika pakubwinya kwaMwari”. Kristu akatakura mutoro wose wezvivi zvedu mumuviri wake paakafa pamuchinjikwa. Bvuma kuti uri mutadzi.
Munamato:
Mwari wetariro ngaakuzadzei nomufaro wose norugare pamunenge muchivimba naye kuti muve netariro yakawanda nesimba roMweya Mutsvene. Rugare rwaMwari runopfuura kunzwisisa kwose rucharinda mwoyo yenyu nemifungo yenyu muna Kristu Jesu.
Ameni!!
Title: Peace
Text: Romans 5 vs 1
Theme: Peace with
God
Message:
In our restless age there is a worldwide longing for peace. Only when Jesus Christ possesses our hearts can we know true peace. Peace with God comes to us in the forgiveness of Sin through the merit and suffering of our saviour. Peace with God meand cessation of all hostilities. If we confess our sinful pride and submit to God then our war with God is over. As the scripture says in Romans 5:1 that being justified by faith we have peace with God through our lord Jesus Christ. Peace with God means reconciliation to Him. We are reconciled in the body of his flesh through death and through the blood of the cross according to Colossians 1:21-22. Peace with God brings a sense of well-being and confidence. It is the legacy of christian believers and it comes as we walk in obedience to His will for our lives. The peace of God will flow from a full unhindered fellowship with Him who is our peace.
Conclusion:
Being at peace with God is not automatic because by nature you are seperated from God. The bible says in (Romans 3:23 " for all have sinned and come short of the glory of God"). Christ carried the whole load of our sins in his own body when he died on the cross. Admit that you are a sinner, repent from your sins and recieve Jesus into your heart and life.
Prayer:
May the God of hope fill you with all joy and peace as you trust him so that you may overflow with hope by the power of the Holy Spirit. The peace of God which transcends all understanding will guard your hearts and your minds in Christ Jesus.
Amen!!
Comments (0)
To leave or reply to comments, please download free Podbean or
No Comments
To leave or reply to comments,
please download free Podbean App.